Psalms 94

1Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva,
haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai.
2Simukai, imi Mutongi wenyika;
tsivai vanozvikudza zvakavafanira.
3Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko,
vachasvika riniko vakaipa vachingofara?

4Vanodurura mashoko okuzvikudza;
vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.
5Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha,
vanodzvinyirira nhaka yenyu.
6Vanouraya chirikadzi nomweni;
vanoponda nherera.
7Vanoti, “Jehovha haaoni;
Mwari waJakobho haana hanya.”

8Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu;
imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?
9Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here?
Iye akaumba ziso haangaoni here?
10Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here?
Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here?
11Jehovha anoziva mirangariro yavanhu;
anoziva kuti haina maturo.

12Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha,
munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
13munomuzorodza pamazuva enhamo,
kusvikira akaipa achererwa gomba.
14Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake;
haangambosiyi nhaka yake.
15Kururamisira kuchawanikwa nokuda kwevakarurama,
uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.

16Ndianiko achandirwira pane vakaipa?
Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?
17Dai Jehovha asina kundibatsira,
ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.
18Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,”
rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.
19Pandakava nokufunganya kukuru mandiri,
kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.

20Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here,
icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho?
21Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama,
vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva.
22Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu,
uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.
23Achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo,
uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo;
Jehovha Mwari wedu achavaparadza.
Copyright information for SnaBDSC